notícias musicais

top 13 artistas

top 13 musicas

Confira a Letra Nyaya Yerudo

Jah Prayzah

Nyaya Yerudo

Unondiwana
Ndakamira panzvimbo iye
Ndenge ndimire
Ndenge ndirimo muchimana
Unondiwana
Ndakamira panzvimbo iye
Ndenge ndimire
Ndenge ndirimo muchimana

Ruva rangu, uri chiedza
Nekuti ndiwe mwenje wangu
Mudima rezhizha
Svovi yangu, uri hupenyu
Nekuti ndiwe mvura yangu
Inoyerera zvisina shungu
Zvakaipa zvose, zvoyeredzwa
Nepaunotsika hapakukanganwe

Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai
Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai

Zambuko tichagara tayambuka
Shanduko tichakumbira kudenga
Mbereko ukandipa vana unenge wandipa humambo
Pembera, pembera
Ruva rangu, uri chiedza
Nekuti ndiwe mwenje wangu
Mudima rezhizha
Svovi yangu, uri hupenyu
Nekuti ndiwe mvura yangu
Inoyerera zvisina shungu
Zvakaipa zvose zvoyeredzwa
Nepaunotsika hapakukanganwe

Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai
Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai

Chada moyo chine nharo
Chinoda mhinduro
Usawora moyo kanga nyama
Ndichasvika mauro
Ahunde, ahunde
Ndichaimba karwiyo
Nemoyo wakachena semwedzi wechirimo

Unondiwana
Ndakamira panzvimbo iye
Ndenge ndimire
Ndenge ndirimo muchimana
Unondiwana
Ndakamira panzvimbo iye
Ndenge ndimire
Ndenge ndirimo muchimana

Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai
Inyaya yerudo mhai
Inyaya yerudo inopa kudai

Kuseri seri
Kuseri seri
Kwemoyo wangu
Kuseri seri
Kwemoyo wangu
Oh! Mhai

Tracker