notícias musicais

top 13 artistas

top 13 musicas

Confira a Letra Nherera

Jah Prayzah

Nherera

Yochemera mukati nherera
Chabaya moyo chagudukira
Murwendo rwayo ine nhoroondo
Zvakawanda yakaviga mudundundu
Yozvibonderesa pasi nherera
Chabaya moyo chagudukira
Murwendo rwayo ine nhoroondo
Zvakawanda yakaviga mudundundu
Vanga vongoita madiro

Pfuma yenhaka vakagoverana
Ndiko kwakava kurova kwehama
Hakuna akazoti kwazivai
Munotamba here makadii
Babamunini nyakusara pavana
Taiti vachazotinyaradza
Hakuna akazoti kwazivai
Munotamba here makadii

Pfuma yenhaka
Vakagovana madiro
Pfuma yababa
Vanga vongoita madiro
Pfuma yenhaka
Vakagovana madiro
Pfuma yababa
Vanga vongoita madiro

Misodzi yangu haichina chirevo
Ndiro tsime rekufara kwavo
Mhere yangu haichina anonzwa
Vanongoti ndoyema
Misodzi yangu haichina chirevo
Ndiro tsime rekufara kwavo
Mhere yangu haichina anonzwa
Vanongoti ndoyema

Ndogogodza vozarura vopopota
Ndokumbira pashoma po vokwindimara
Voguta zvasara vorasa nemarara
Ndonhongerera
Ndonhonga

Babamunini nyakusara pavana
Taiti vachazotinyaradza
Hakuna akazoti kwazivai
Munotamba here makadii

Pfuma yenhaka
Vakagovana madiro
Pfuma yababa
Vanga vongoita madiro
Pfuma yenhaka
Vakagovana madiro
Pfuma yababa
Vanga vongoita madiro

Babamunini inga mandigumbura
Inga mandigona
Vakagovana madiro
Madiro madiro madiro
Vanga vongoita madiro

Babamunini inga mandigumbura
Inga mandigona
Vakagovana madiro
Madiro madiro madiro
Vanga vongoita madiro

Tracker