notícias musicais

top 13 artistas

top 13 musicas

Confira a Letra Mukwasha

Jah Prayzah

Mukwasha

He eeh, he eeh

Kumura ngowani
Pfugama nebvi rimwe chete
Wotorova gusvu mukwasha
Denga riye rikatinhira
Tirikuda mbeu neanorima
Wotoona yekutamba mukwasha
Aaah wondimutsa nemutupo
Gara wangoziva kuti ndozviripo
Kana zvakunetsa mwana wangu dzora mukwasha
Uchatenga mombe uchabaya uchavhiya
Uchapura nyemba uchadzura nzungu dziya
Ende baba vati vanoda madhorofiya
Wotomhanya musango mukwasha
Pane andibira pombi yemvura
Kana zondo rangu randanga ndabvura
Vanhu vese vati bvunzai mukwasha
Pakati pevanhu vese varipo
Ndiani watigarira kumhepo
Zvakungonzi bvunzai mukwasha
Ndirikunzwa kuda kurova munhu
Ndirikunzwa kuda kubata munhu
Rega ndimbokurova mukwasha

Zvandapfuura nekudhamu
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wangu
Huchi husina mazana
Zvandapfuura nekudhamu
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wangu
Huchi husina mazana

Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema

Mukwasha jongwe iro
Muchamhanya naro kusvikira maribata
Madzimbuya voda saga remagaka
Changamire vati vanoda hari mukwasha
Zino rakaora muchando rinobanda
Handina mari yekudzurisa kani kani mukwasha
Vakatemwa nyora kare neimwe n’anga
Vatezvara vangu nharo vanodzikaka
Tungamira mombe tirime mukwasha
Asambeni famba nendima (asambeni famba nendima)
Asambeni famba nendima

Tsemura danda uratidze ukwasha
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima
Tibatire foro tirime mukwasha
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima
Kutakura danda ndokuti mukwasha
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima
Asambeni famba nendima

Zvandapfuura nekudhamu
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wangu
Huchi husina mazana
Zvandapfuura nekudhamu
Inga ndakubatirai gwaya
Ndikamora mukoko wangu
Huchi husina mazana
Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema
Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana
Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema

Pamoyo pamoyo
Ndipo paugere munzira yerudo
Tichafamba nemo nemo
Zorozo remoyo wangu ndiwe unogaramo
Madzoro yerudo anotumwa munhu nyeere
Akatema muonde akadenha (akatema muonde akadenha)
Zvakanaka chihombe zvakanaka (zvakanaka chihombe zvakana)
Zvakanaka chihombe zvakana

Tracker